×

Mumazwi ake ekuzivisa New City Catechism (Katikasi ye Guta Idzva), Kathy Keller anonyora kuti, “Katikasi dzakanyorwa ne zvinangwa zvinodarika kuita zvitatu.” Chinangwa chokutanga kubudisa tsanangudzo dzino nzwisisika dze vhangeri (guhu rakanaka)… Chinangwa chepiri chaiva chekugadzira tsanangudzo idzi dzitaure ku dzidziso dzenhema, mhosvo, kutenda kwenhema kwenguva idzodzo uye mutsika ne magariro. Chinangwa chetatu, chaiva chiine basa rehufudzi (hufundisi) ku umba vanhu vakashanangurwa, vanopikisa tsika nemagarario enguva yavo, asi vachiratidza kufanana na Kristo.” Nyangwe zvazvo “katikasi” ino (ino tevera) yakati siyanei, inehukama ne mamwe makatikasi. Nokuti yakateyiwa nheyo dzayo mu vhangeri (guhu rakanaka), yavezva sechombo che kurwisa dzidziso dzenhema uye kuumba muzvokwadi mufungiro we kereke mumaererano hutachiwana hwe COVID-19.

1. Chinyi chinonzi COVID-19?

COVID-19 hutachiona hwuno tapuriranwa nekukasika uye hwunonyanya kukanganisa nenhengo dzinotibatsira kufema, hutachiona uhwu hwuno konzerwa ne utachiona unonzi SARS-CoV-2 or Coronavirus. Rinoparadzirwa nohufemwa kubva mukukosora ne kuhutsira

2. Ndinga batira hutachiona uhui here?

Hongu. Handigoni kunzvenga denda iri nokuda kwe ganda rangu, rudzi rwangu, muzera wangu, hutano hwangu kana chitendero changu. Ndinogona kubata kana kufa ne COVID-19, nyangwe zvazvo vazhinji varikufa nehutachiona uhu vari va kweguri (vasharukwa) uye vane hutano hwagara huchivanetsa.

3. Saka kukura kwenjodzi iyi kuvakweguri uye vanorwara kunga kurudzira vechidiki here uye vaye vane hutano?

Kwete. Muvakidzani wangu, zvisinei ne makore ake, rudzi rwake, ganda rake, kana chinamato chake akasikwa mumufananidzo wa Mwari, uye akakoshera zvokwadi yangu uye dziviriro yangu, rudo rwangu, mutsa wangu, uye ndangariro dzakana dzangu.

4. Ko vaKristo (vanotenda muna Kristo) vangafa ne COVID-19?

Hongu. Mwari havanzvengese vanhu vavo kubva mumiedzo, mumatambudziko, kurwadziwa, kushunguridzika, kuchema uye rufu rwenyama.

5. Tiri pasi pemutongo we COVID-19 here?

Hutachiwana hwe COVID-19 haigone haugone kurwadzisa mweya wedu. Kwete! haina hauna rose-simba rekubata kana kuuraya muviri mukuda kwahwo woga. Asi, sezvinhu zvose, hwuri pasi penhungamiromutongo (providence) ya Mwari iyo dzvene ine huchenjeri iyo iri pamusoro pe zvisikwa zvose. Mwari anoshandisa zvinhu zvese mukuda kwake.

6. Sei tichifanirwa kutora zviga zvedziviriro?

Kuterera hutungamiri, kukoshesa hupenyu uhwo hwatakapihwa na Mwari, uye kukoshesa hupenyu hwe vavakidzani vedu; uye kubvumirana nokuti Mwari anofarira kushandisa kuterera kwedu senzira yokuzadzisa zvinangwa zvake.

7. Ndedzipi nzira dzekudzivirira dzatirikurudzirwa?

Tinofanirwa kushanda sekunge tava ne hutachiwana uhwu kare, uye kutora nzira dzokurega kuparadzira utachiwana mukusaswedera pedo nevamwe kana kuvabata, kudzidzira ku hotsira zvakachenjera, kukosora zvinedziviriro uye kugeza mawoko kwazvo.

8. Unganamatire sei vatendi vari panjonzi ye hutachiona hwe COVID-19?

Nekuti takabatana mu muviri mumwe chete muna Kristu ne Kereke yose tinofanirwa kunamatira vaKristu vose (vanotenda muna Kristu) muzvokwadiuye nguva ne nguva se avo vatinogoverana navo muhupenyu hwedu, sezvo takabatinidzwa muna Kristu navo, kunyangwe vari pedo kunyangwe vari kure.

9. Saka unga vanamatire chiii?

Kunze kwe kuvabatsira muzvavanoda, tine zvitsidzo zvizhinji uye zvokwadi yamazvirokwazvo mu evhangeri yekuvakumbirira tachivamirira. Tinofanirwa kukumbira kuti Mweya Mutsvene anyaradze mweya yavo ne zivo yo huvapo hwa Mwari, rudo rwusinga gurike rwatinarwo muna Kristu, uye tariro yatinayo murufu. Mhedzisiro, kana Mwari achitendera rufu, va Kristu vamubwinyise ne kutenda kwavanoratidza mukufa kwavo.

10. Ko vatendi va Kristo vane tariro ipi?

Tariro yedu ndoyekuti kana tofa tinofa muna Kristo, maari mubairo we zvivi wakabhadarwa uye mukuterera kwake mubairo wedu uriko. Saka tiri mumuviri yedu ino inoneta zuva ne zuva, tiri kure nemusha uye mudikanwi wedu Muponesi, uyo akamirira kuti gamuchira uye mumagumo kutimutsa mukusikwa kutsva nemiviri mitsva isingawore, isingawore uye isingapere.

11. Tinga namatire chii kuavo vasingatendi uye vanoshaiwa tariro?

Nokuziva kuti Shoko ra Mwari roga, kwete kutonga kwoga, kunogona kuunza nyika ne nyika mukutendeuka, tinofanirwa kunamata kuti Mwari avhure moyo kuti vanhu vamugamuchire Jesu, uyo anodzikinura kubva mukutonga kukuru kunouya, uku kusina munhu angakunzvenga kunze kwevari muna Kristu mukuburikidza ne kutenda.

12. Ndingaite sei kana ndichifunganya uye kutya?

Tinofanirwa kurangarira kuti zvakanaka kuva nekufunganya kune humwari pazvose zvakanaka uye zvakakosha, uye hakuna chiri pasi pesimba redu, asi zvose zviri pasi pe huchenjeri uye simba ra Baba, avo vanoti raira kuti tisatya kana kufunganya asi kuti tivimbe mavari neminyengetero

Katikasi ye COVID-19 Ndima dze shoko kwadzinowanikwa

  1. VaRoma 8:20
  2. Genesis 2:17; Varoma 5:12; Zvakazarurwa 21:4
  3. Mariko 12:31, Ruka 10:21, VaRoma 12:15
  4. Varoma 5:12, ZVakazarurwa 1:9, Acts 11:28-29, Zvakazarurwa 6:8
  5. Mateo 10:28-29; Mapisarema 103:19, Zvakazarurwa 15:3,
  6. VaRoma 13:1, Ekisodosi 20:13, 1 VaKorinde 15:10, Zvirevo 21:31
  7. Mariko 12:31, Dueteronomi 22:8
  8. Mabasa avapostori 12:5, VaEpheso 6:18, 1 VaKorinde 12:26
  9. Jakobo 2:15, VaRoma 8:39, VaFiripi 1:20
  10. Zvakazarurwa 14:13, 1 Peter 2:24, Varoma 5:19, 2 VaKorinde 5:8, VaFiripo 2:23, 2 Timoteo 4:18, 1 VaKorinde 15:42-44, 1 Peter 1:4
  11. Zvakazarurwa 9:20, Mabasaavapostori 16:14, 1 VaTesaronika 1:10, 2 VaKorinde 5:10.
  12. 2 VaKorinde 11:3, Ruka 12:25-28, VaRoma 11:33, VaFiripi 4:6, Mateo 8:26
Editors’ note: 

This article was translated into Shona by Tinashe Chengeta. Click here for the original version of this article in English.

LOAD MORE
Loading