×

Kana uchigara mu Zimbabwe, urikusangana ne mitsetse (mitsara) panzvimbo dzakasiyana siyana. Tine mitsetse pa matura emari  (mabanga) patinotora mari ne panzvimbo dzinonwirwa mafuta nengoro dzemoto (motikari). Tine mitsetse pazviteshe zve maduta vanhu (mabhazi) e hurumende, uye panzvimbo dze kuchera mvura pazvibhorani uye pa matsime. Zvinhu zvizhinji zvirikushomeka mazuvaano. Ne mhaka yei tichifanirwa kudzikinura nguva yedu apo tinenge tiri mumitsetse iyi?

Tiri kurasikirwa ne nguva tiri pamitsetse iyi. Nguva chimwe chezvi zviwanikwa zvatakapihwa na Mwari. Tinogona kuva tiri pa mitsetse iyi tichiramba tichibereka zvibereko mu humambo hwa Mwari. Kunze kwekuzvitandadza nguva zhinji padandaro rechimanje manje (social media) sevaKritso tinogona kushandisa nguva yedu tiripa mitsetse zvine hungwaru, zvinotibatsira uye zvinoita kuti  humambo hwenyasha hukure.

Tinofanirwa kuva varanda vakanaka uye vakatendeka panguva dzatinenge tiri pamitsetse iyi. Mufananidzo we matarenda (Mateo 25:14-30) unotidanira kuva takatendeka pazvipo uye zviwanikwa zvatinopihwa na Mwari. Nyangwe zvazvo mufanaidzo wematarenda uchinongedza zvinopihwa vatendi mukereke na Mwari, matarenda anogona kureva wo zviwanikwa zvinopihwa vatendi na Mwari.

Sevaranda vaviri vekutanga vaiva vakatendeka uye vakanaka mumufananidzo we matarenda, tinogona kusarudza kushandisa nguva yedu pamitsetse zvinotipa zvibereko muvhangeri kuburikidza nekugovera ne kupupura shoko rakanaka (evhangeri).

Tinogona kusarudza kupedza nguva iyi mumakakatanwa ne fungidziro pamusoro pezve matongerwo enyika yedu kana nhau dzezve hupfumi. Tinokwanisa kunyunyuta pamwe chete ne vasingatendi kana kufunganya mumisoro yedu. Pazvose izvi  tinenge tichizvifananidza ne muranda asina kutendeka.

Tinokwanisa kuita sezvaitarisirwa nashe pamuranda asina kuvimbika kuisa matarenda kubhanga uko ainoberekana. Izvi zvinogona kuva tisingaite basa rekupupura evhangeriri asi kushandisa nguva yedu pa mitsetse kuti isu tikure pa mweya.

Hedzinoi nzira dzatinogona kushandisa nguva yatakapihwa naMwari sevaranda vaviri vakatendeka kana sezvakayambirwa na Ishe kune muranda simbe, kuisa mari kubhanga ibereke.

1) Apo takamirira mafuta panzvimbo dzinonwira motikari mafuta, tinogona kunyengetera kuti humambo hwenyasha hwukure uye hwufambire mberi. Tinogona kunyengetera magwaro matsvene kana zvokunyengetera zvotiperera ( 1 vaThesaronoka 5:17)

2) Pamitsetse ye mabhazi kana mabhanga tinogona kutanga nhaurwa dzevhangeri, tichiratidza vanhu kuti dambudziko guru harizi hutungamiri hwedu asi chivi chiri munyika saka munhu wese anoda evhangeri.

3) Pamitsetse ine ruzha tinogona kuteerera mharidzo dzakatisikiswa. Ngatizadze mbozha nhare dzedu nezvekuterera zvatinowana pamasaisai e internet. Zvekuteerera izvi ngazvive zvinotibatsira kubva mukufunganya ne mukugunun’una asi zvitibatsire mukutenda nekukurudzirwa kuvonga mumoyo (vaFiripi 4:6)

4)Kuvadyari vemakereke tinogona kusangana nevagari vemunharaunda dzatoda kudyara kereke pamitsetse iyi. Hachizi chikomborero here ichi? Kuti tavakuwana vanhu vakaunga zvaisambovako, iko zvino tava kusangana ne vanhu pazviteshe uye pazvibhorani ne pamatsime.

5) Vafundisi ne vaparidzi tinogona kudzokorora kuverenga mharidzo dzedu mumotikari dzedu tiripa mitsetse. Tavakuwana mifananidzo, ngano nezvibodzwa zve evhangeri kubva munharaunda dzatiri kutsvagira mafuta emotikari. Zvakare tavakuwana maonero evanhu pazvirikuitika uye zvehupenyu zvose zvinotibatsira kuparidza evhangeri pazvido zvavo.

6)Tinogona kuverenga zvinyorwa zvinotibatsira kana tazogara mushure mekumira pamitsetse ye bhazi

7) Kune vanezvipo zveku vhangera tava negungano revanhu rekuparidzira. Vateereri vachatiteerera kuzvinhambwe zvenguva zvinodarika makumi matatu kusvika kuchikamu che awa (hour) rimwe. Zvimwe Mwari vangatimutsira vaparidzi vakaita sa George Whitefield kana vakomana vekwa Wesley.

8) Musi weSvondo tichibva kushumiro tiri pamitsetse kudzokera kumba tinogona kukurudzirana pamusoro pemharidzo yatanzwa. Tichiyeuchidzana nzira dzekuramama evhangeri, varipedo nesu vanganzwawo evhangeri.

9) Tinogona kuverenga bhaibheri patanga takasarira pahurongwa hwedu.

10) Mumotikari medu ngatiise mabhuku atinofarira kuna mabhuku anotigoshera kunzwisisa. Zvimwe tinogona kunzwisisa zvinemaonero akasiyana pakuverenga kwedu panzvimbo dzakasiyana siyana.

11) Tikarangarira zvidzidzo zviya zvaigozha, vadzidzisi pavaiitiraira kutakura twukwangwari tune yeuchidzapfungwa (flashcards) kuti tikwanise kukunda pabvunzo. Tirimo muchidzidzo semhuri yeZimbabwe. Ngatitakurei ndima dze Shoko dzvene dzinotiyeuchidza ukuru hwa Mwari vanotonga zvose. Tikasadaro tinofunganya nekunyunyuta.

12) Tinogona kupa vanhu vari pamitsetse zvinyorwa zvevhangeri zvine tsanangudzo kwadzo. Zvimwe umwe ane mbozhanhare yapera moto angaverenga akasvika pakutendeutswa kuburikidza na Mweya mutsvene.

Idzi ndidzo dzimwe dzenzira dzatinogona kubvuma hwukuru hwa Mwari, muhupenyu hwedu sevana ve Zimbabwe. Tinoziva mitsetse iyi iropo parudzikinuro rwedu, uye iripo kutibatsira kufanana na Kristo. Uye mitsetse iyi iripo kuti tisvitse shoko reruponeso kuvaya vakarasika. Ngative vaya vakavimbika mumitsetse iyi, tikumbire Mweya Mutsvene atibatsire kushandisa mitsetse iyi se zviwanikwa zvakakosha. Takamirira  kudzoka kwashe wedu.

Editor’s note: this article originally appeared at TGCA in English, and it can be found here.

LOAD MORE
Loading