×

Pasi redu rizere nenyaya dzemanyepo. Mwari vedu vane nhau dzechokwadi dzinova vhangeri rake. Vhangeri chiziviso chikuru chine simba rinoshandura chokuti Jesu ndi Ishe. Hwaro hweshoko guru iri ndi Mwari umwe chete, Mwari baba, Mwari mwanakomana na Mwari Mweya Mutsvene, vanozivana, vachidanana uye vachikudzana. Mwari uyu wakasika zvinhu zvose, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, naizvozvo akakodzera kukudzwa nekunamatwa/nekuremekedzwa. Mwari uyu akataura kubudikidza nemwanakomana wake, uye kubudikidza neshoko rake rinowanikwa muchitenderano chekare nechitenderano chitsva.

Mwari mumwe chete iyewo akasika vanhu akavasika vari murume nemukadzi. Sezvineiwo vanhu ava vakapandukira Mwari ndokubva pava nokuparadzana pakati pavo namwari uye vakasvibidzwa mune zvose zve unhu hwavo.

Kubva makare kare nyika isati yavapo Mwari vakatara kuzvidzikinurira vanhu vavo kubva kuvanhu vose, ndimi dzose, marudzi ose nenyika dzose. Vhangeri ndihwo hurongwa hwaMwari hwokuponesa vanhu kubudikidza nemwanakomana wavo anova Ishe naMuponesi.

Ishe uyu ( Jesu Kristu) aitarisirwa kuuya kwake muchitenderano chekare naizvozvo akauya pano panyika munguva yapfura. Ishe  uyu mukundi uye akakunda chivi, rufu na satani pamuchinjikwa kubudikidza nekumuka kwake kubva kuvakafa. Mukufa nekumuka kwake akakunda masimba makuru epasi pano nemasimba emweya yakaipa. Ishe uyu ndiye mumwe chete oga mumiririri pakati pamwari nevanhu uyo akatimiririra zvakazara uye zvakaperera pamuchinjikwa kuti apodze/atonhodze ushungu hwa Mwari. Mambo asina chivi anotakura mubairo wechivi, nokudaro anoyananisa Mwari nevanhu vavo; Ishe vanopupurira/vanoponesa vanhu vavo nenyasha chete kubudikidza nokutenda kwete nemabasa avo.

Ishe uyu anopamba hupenyu hwevateveri vake kubudikidza na mweya mutsvene. Mweya mutsvene uyu ndi Ishe vanoponesa avo vanotendeuka nokutenda. Ishe uyu anounganidza vateveri vake muungano itsva nechinangwa chokuti vave zvapupu zvake mushoko nemumabasa. Ishe uyu anokurudzira varanda vake kuti vavake humambo hwake pasi rose kubudikidza nokuva munyu nechiedza mune zvose zvohupenyu. Mushure mokukwira mudenga panyama, ishe uyu achadzoka somutongi wokupedzisira achizovamba humambo hwake mudenga nepasi idzva.

Akataura mashoko aya mumagwaro evhangeri (the gospels) naizvozvo anodana vadzidzi vake kuparidza nezvehumambo hwake nenzira imwe cheteyo. Ishe uyu anodana vanhu vose kwose kwose kuti vakande zvombo zvavo pasi vozvipa kwaari mukutendeuka nokutenda. Wakaita sazvozvo here? Kana usati uchaita saizvozvo riini?

Click here for a version of this article in English

Click here for a version of this article in Swahili

LOAD MORE
Loading